Ndazofunga a great plan vamwe-vangu. Ndazofunga kutsvaga mari - TopicsExpress



          

Ndazofunga a great plan vamwe-vangu. Ndazofunga kutsvaga mari nenzira isingarwadze. Zvedi rega vanhu vati kushanda chaiko-chaiko hakubhadhari. Zvimwe zvinongodawo kachikiribidiwo mbichana hako. Ndokusaka ana Engel nana Makandiwa varima great man. Ndakuda kuvhurawo Chechi yangu manje. My adviser arikutaura iye zviri easy izvi. Arikuti iye munhu haadi kuona mamiracles ukatongoita minana chete vadya mari yemunhu. Rule number one ndeyekuti munhu anobeliever nekuona saka kugona munhu humurongera chaanoona. We are planning to perform some great wonders pane kacrusade kataka planner zvedu. Tirikuronga kuzounza vanhu vanenge vachipretender kuita zvirema vakagara pama wheel-chairs vanokwana kuita seven vatichazoti vafambe nemuzita raJESU. Tichapretendazve kuunza vanhu vanenge vachizviti mapofu vanokwana ivo kuita 5 vatichati ivo ngavaone muzita raJESU. Of course tinopedzisirawo netwuma genuine prayers asi by that time tinenge tava unreturnable nekuti tinenge tapinza dhimu muvanhu. Plan yedu ikabudirira l tell you kuti by the end of the crusade tinenge tama millionares. Ko handiti ndozvamunodaka imi vanhu. Handiti mukaitirwa munamato nemunhu asingaiti mamiracles munenge muchimushora. Saka munondiudza kuti zuva rinofa Engel naMakandiwa mumachurches acho muchasara musina munhu. ANHUWE! NGATIDZIDZEI KUPA MBIRI KUNA MWARI KWETE KUMUNHU. ZUVA RAUCHAONA KUTI MUNHU IKURUKU NDOPAUCHAONA KUTI NDAKAPEDZERWA NGUVA. INGA JESU VANOTI NDINI NDOGA NZIRA WANI? Rega ndinyarare. Ndingazonzi ndinotaurisa Wenyu NIMROD MWACHANDE
Posted on: Fri, 29 Nov 2013 06:46:03 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015