Ngatinamatei: Mwari baba vakatendeka tinokutendai nekukuvongai - TopicsExpress



          

Ngatinamatei: Mwari baba vakatendeka tinokutendai nekukuvongai nekukupai mbiri mangwanai ano. Mazvita henyu Jehovha nekurara kwamaita nesu makatichengeta pamanheru apfuura. Chisweraiwo nesu pazuva ranhasi Jehovha. Vose vanorwara vari muzvipatara ngavaponesweee nezita raJesuu. Nherera neshikikadzi dzirangarireiwo Jehovha. Navose vasina zvokudya pana pokurara Mwari vaitireiwo zvakanaka. Tinonamata zvekare navose vasinawo mabasa vanotsvaga mabasa kuti Mwari vaitireiwo zvakanaka. Navose vanotsvaga kuda kubata vana mukati memaoko avo varangarireiwo Jehovha. Mwari tinonamata nekuda kwedzimba dziri kuda kuputsika kut ngadzidzokere panzvimbo nezita raJesuu. Varume/vakadzi vose vakatiza misha ngavadzoke kudzimba dzavo kuti vagochengeta dzimhuri dzavo nezita raJesuuuu. Tinoziva nekuvimba kut kana murimi Mwari watinonamata hamumbotinyadziseba. Zvose zvakadyarwa newakaipa mukurarama kwedu tinotaura kushaya simba kwazvo nezita raJesuu. Mwari itiraiwo munhu wese ari pa page rino ramazuva ose makatendeka Jesuu zvakanaka zvishuwo zvemoyo yavo zadzikisaiwo Zvose zvavanoshuwira vaitireiwo zvakanaka Pose pakabatwa newakaipa pagoshaya simba. Zvose zvakataurwa nemuvengi zvigoshaya simba nezita raJesuuu. Ishe tidzidziseiwo kufamba munzira dzenyu tsvene dzakatendeka kut pamunouya tigosanganawo nemi Nezita raJesu Amen. Kana wanamatawo dairawo amen kuna Jesuuu. #RT
Posted on: Thu, 11 Sep 2014 04:29:04 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015