Paivewo neimmwe couple yanga yave ne5yrs isina mbereko, hama - TopicsExpress



          

Paivewo neimmwe couple yanga yave ne5yrs isina mbereko, hama dzekumurume dzakatanga kutaura zvadzaida dzichishoropodza muroora. Murume akaterera hama dzake ndokuroora mumwe mkadzi , mkadzi mukuru akadzingwa pamba ndokutanga kutambudzika mustreet . Sezvinei murume uya akabva arwara zvekurara panhowo makidneys ake anga aora, kuti ararame paifanira kuwanikwa munhu (same blood group) angazvipira hake kumupa 1 kidney . Mukoma wake akaramba kumubetsera akati zvirinani kufe munhu 1 panekuti vazofa vese, hanzvadzi yake ndokunyepa kuti hazvaibvira kuti iitwe operation sezvo yave nenhumbu, nemukadzi wake wechipiri vaisheya same blood zvekare asi akaramba kusaver life yemurume wake. Zvino kwaive kwasara 5hrs kuti murume uyu ararame , mkadzi wake mkuru ndopaakanzwa kuti murume uya wokumuramba avekufa kuhospital, ndokuenda kunozvipira kumupa kidney yake sezvo vaisheya zvekare same blood. Murume paakazoudzwa kuti aive abatsirwa nemukadzi wake mkuru akachema kuchema kukuru akarangarira kumushungurudza kwaive amuita asi mkadzi akangomubetsera zvakadaro nekuti aida murume wake. Muhupenyu hwedu tinoti kana tanonokerwa nezvinhu tinoramba Mwari tonyengedzwa nasatan, satan chinouya sechinotida asi kana tave pamatambudziko chinotiza. Rudo rwaMwari rwuri unconditional kunyangwe tichivatadzira hedu asi vanotida zvakadaro uye vanotipa nguva yekutendeuka. Israeri yaisvika panguva pekuti yairamba Mwari asi Jehovah haana kuisiya akairangarira zvakadaro. Mwari anoda munhu wese tarira minda yevaroyi anoimeresa paanonayisa mvura haainyenyeredzi, vana vepfambi anongovacheta haatore mweya wavo nekuti NdiMwari anoda munhu wese problem tisu tinomuramba chete. Paye wakaita upombwe hauna kufa, paye wakaba hauna kufa, paye wakanyepa asi hauna kufa nekuti Mwari anokuda ende arikuti huya utendeuke hazvinei zvivi zvako zvakatsvuka ropa asi ndchazvichenesa samazai echando. Aiwa usarambe true love yakadai iwe vimba naJesu #Mangwanani..
Posted on: Sat, 19 Jul 2014 05:05:11 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015