Pastor Chris Ndezvemweya. Hazvisi ZvePfungwa! “Mwari - TopicsExpress



          

Pastor Chris Ndezvemweya. Hazvisi ZvePfungwa! “Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi” (Johane 4:24). 1 VaKorinte 2:14 inotaura ichiti, “Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari; nokuti vupenzi kwaari; haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa noMweya”. Chikristu ndechepamweya. Nokudaro, hachigoni kunzwisiswa nepfungwa dzemunhu. Vanhu vakawanda havanzwisisi chokwadi ichi. Izvi zvinoita kuti vakundikane mukutenda kwavo. Mwari vanofambidzana nemweya wako. Havafambidzani nepfungwa dzako. Kutenda kunowanikwa mumweya wemunhu. Hakuwanikwi mupfungwa. Kutenda chinhu chinoitika kana mweya wemunhu wagamuchira Shoko raMwari. Nyama haigoni kunzwa Mwari. Mweya yedu ndiyo inotaurirana naMwari. Ndiyo inovashumira. Ndiyo ine simba rekunzwisisa zvinhu zvepamweya. Pfungwa dzedu hadzigoni kuita zvose izvi. Hadzina kugadzirirwa kuita izvi. Saka, mweya yedu ndiyo inoumba hukama naMwari. Inobva yamanikidza pfungwa kuti dzitsigire hukama uhu. Izvi ndizvo zvinozoita kuti nyama yedu iitevo zvinowirirana nehukama uhu. Izvi zvinoreva kuti mweya yedu ndiyo inoumba hunhu hwedu. Hunhu uhu ndihwo hunovonekwa nevanhu. Ichi ndicho chikonzero tichifanira kuva naMweya Mutsvene. Ndivo vanofanira kutitungamirira. Vanotitungamirira vari mukati medu. Ndivo voga vanogona kupinda mumweya yedu. Mumweya ndimo munoumbwa hunhu hwemunhu. Ndimo munofanira kushandurwa. Kushandurwa uku ndiko kunoita kuti munhu ave zvinodiwa naMwari. Ndiko kunomuendesa pakubwinya kwepamusoro. Mweya Mutsvene ndivo vanogona kutungamirira pfungwa dzedu. Hapana mumwe anogona kuita izvi. Vanodzitungamirira kuti dzifunge Mwari. Vanodzitungamirira kuti dzifunge saMwari. Vanodzitungamirira kuti dzishandise mazano aMwari. Namata Uchiti Baba vanodikanwa. Ndinokutendai. Makandipa Mweya venyu. Mweya ava ndivo vanonditungamirira. Vanondibatsira kuti ndifunge semi. Vanondibatsira kuvona zvinhu nenzira yamunozvivona imi. Handivoni zvinhu nenzira yazvinovonekwa nazvo nevanhu venyika. Ndinotungamirirwa neShoko renyu pakurarama. Nokudaro, ndinokura. Ndinowedzera kubwinya. MuZita raJesu. Ameni. Dzimwe Ndima Dzinotsigira Chidzidzo ChaNhasi VaRoma 12:2 VaEfeso 4:23-24
Posted on: Tue, 18 Nov 2014 12:56:44 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015