Usaputse Sungano yaMwari nekuda kwekusava nemwoyo murefu. Inga - TopicsExpress



          

Usaputse Sungano yaMwari nekuda kwekusava nemwoyo murefu. Inga wani patience ndochimwe chezvibereko cheMweya mutsvene ari mauri. Kunonoka kwemhinduro yaMwari pamunamato neshuwiro yemwoyo wako hazvireve kuti Mwari varamba saka wobva waputsa Sungano zvekutotora matters into your own hands kuti zvitoita chete. Kune vakamanikidza wawanano(marriages) nekuti kwavari vainge vanonokerwa, mukumanikidza imomo vakapiwa spiritual wives and husbands, kune vari kuchemedzwa nadzo wanano dzekumanikidza idzi. Murume or mukadzi akanaka anobva kuna Mwari. Kune vasina kuita mwoyo murefu panyaya yeprosperity vakanoromba nhasi uno havana rugare netunhu or zvinhu zvavakapiwa. Silver and gold ndezva Mwari. Kune vakanonokerwa nekuwana mabasa vakati regai tishandise muviri yedu nechioko muhomwe, asi nhasi uno varanda pamabasa iwayo. Its God who deploys or else you will be tossed around. Hama yangu Gods time is the best. Mirira nguva yaMwari kumhanya hakuzi kusvika. Aaron nevana veIsrael vakazviparamurira ndondo pagomo reSinai nenyaya yekushaya mwoyo murefu iyi. Vana veIsrael vanoti kuna Aaron tigadzirire zvimwe zvimwari tinamate hedu, hona nguva yareba Moses naJoshua vasati vadzoka kubva mugomo hatichaziva kuti chii chavawana. Aaron nekushaya kwake mwoyo murefu nekusaziva waanonata akuita saizvozvo. Izvo zvinova zvakakoromora hasha dzaMwari nedza Moses (Exodus 32vs1-20). Hama yangu usaise ruvimbo rwako mumunhu sezvaikwa nevana veIsrael, isa muna Mwari akatendeka. Mwari wedu ndiMwari weSungano kwete sangano, wenyasha nemwoyo murefu. Unogona kunge wamboshaiwa mwoyo murefu, zvino Mwari vari kuti huya tigadzirise kuti zvikunakire. Gods time is the best for He has got good plans for you. Regards,
Posted on: Tue, 25 Nov 2014 11:50:21 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015