Vana vatatu vakatsva kwa Makunda kwaIshe Chireya ,nemugovera, - TopicsExpress



          

Vana vatatu vakatsva kwa Makunda kwaIshe Chireya ,nemugovera, mushure mekunge mai vavo,Loveness Mupamombe vatungidza tayi remotikari vachiedza kudzinga mweya yakaipa.Zvinonzi Takudzwa(10)Tafara(2) naRuvarashe vaive vakarara mumba namai vavo avo vakamuka vachiti maiva nemweya yakaipa mumba vakatungidza tayi.Vakatotora mukomana mukuru kuti avaperekedze kumuporofita aiva pedyo ndokusiya vakiya gonhi nepanze vana vari mumba. Machira akabatira moto kubva patayi vana ava vari vari vatatu vakatsviramo nokuti musiwo waive wakakiyiwa.Mutauriri wemapurisa mudunhu re Midlands province Assistant Inspector Mahoko vatsinhira nyaya iyi.
Posted on: Wed, 07 Aug 2013 19:51:23 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015