Via Inbox ZVIMWE ZVINODA KUTENDWA Kusatenda huroyi chokwadi Toda - TopicsExpress



          

Via Inbox ZVIMWE ZVINODA KUTENDWA Kusatenda huroyi chokwadi Toda kukutendai Imi vaMugabe nevamwe venyu Nekutidzidzisa zvatanga tisingafi takaziva Zvimwe zvinoda kutendwa Makatidzidzisa kubira nzizi dzinemakarwe tichitswaga kurarama Makatidzidzisa kuti maboarder anojambwa sei Makatidzidzisa Kufamba mitunhu mirefu refu kwazvo Makatidzidzisa Kubata maelectric fence Mukatidzidzisazve masurviving tactics Aiwa zvimwe zvinoda kutendwa Makatidzidzisa kugara nevatorwa Makatidzidzisa kugara nevavengi Makatidzidzisa kutaura chizulu, xhoza, venda,africaans,chiraparapa, chimosken,chiputukezi nendimi kuti tiwane kugara kunedzimwe nyika Makatidzidzisa kukwana kwana Makatiratidza nzira dzejoni, botswana, moza, zambia, namibia, uk, tahiti nekumwedzi Makatiratidza U.S dollar, Rand,.kwacha, pula, metkazh, yen Nhasi takuziva pasi rese Zvinoda kutendwa Makatidzidzisa stress management Makatidzidzisa kuti unogona kuenderera neupenyu sei mushure mekuwana mukadzi atorwa uchibva kunze kwenyika. Makatidzidzisa kuti unogona kurarama sei wapunzirwa imba yako Makatidzidzisa kuti unogona kurarama sei uchinge watizwa nemukadzi nekuti hausi kuwana basa Makatidzidzisa kuti unokwanisa kurarama sei wafirwa nemwana mumaoko nekorera Makatidzidzisa kuswerera mvura seradiator Zvimwe zvinoda kutendwa Makatiratidza kuti its posible kuti munhu anedegree atengese airtym nenzungu mustreet Makatiratidza kuti its possible kuti munhu aite 1week asina kudya Makatiratidza kuti its possible kuti munhu asina kana grade seven anowana top post mugvt Makatiratidza kuti its possible kuti varume vakuru vabvise bhutsu vachiombera vachibvuma kuti diesel rinogona kubuda padombo Makatiratidza kuti its possible kuti kuti munhu wese ave vendor munyika Mukatiratidza kuti its possible kuti munhu anosvika 90years asina muzukuru Aiwa zvinoda kutendwa Ndiyani aiziva kuti kuchinja mari kunoraramisa? Ndiyani aiziva kuti mari inobhenewa? Ndiyaniko aiziva kuti mashizha emupopo anodyiwa? Ndiyani aiziva kuti sora chairo rinobikwa rikadyiwa? Ndiyani aiziva kuti kunedoro rinonzi lawidzani, tendasau, mamilani, crango, kachasu, nezed? Ndiyani aiziva kuti kune bulga, sorabeans ne mbida? Ndiyani aiziva kuti mvura yesewage inonwiwa? Ndiyani aiziva kuti christmas is like any other day? Ndiyani aiziva kuti muna Mukuvisi munoita Kugara Izvi zvinoda kutendwa Makatidzidzisa kupfeka zvigamba Makatidzidzisa kusona gumbezi rabvaruka Makatidzidzisa kupfeka maunder wear nemabra emubhero Makatidzidzisa kupfeka zve $1 for 4 Makatidzidzisa kushandira mahara Makatidzidzisa kuti maChina imboko Chokwadi zvinoda kutendwaa Makatitswagira mazita ekupa vana vedu Vana tsunami Vana Murambatswina VanaBhakosi Vana Sanction Vana Blair Nana Bhora musango Zvinoda kutendwa Makatiratidza kuti history haibhadhare Makatiratidza kuti history haitonge nyikaaka Makatiratidza kuti matakadya kare haanyaradze mwana Zvinoda kutendwa Makatdzidzisa kuverenga baba Jukwa, Sahwira ne mugrade seven Mukatidzidzisa kuverenga daily news,newsday ne the Zimbabwean Makatidzidzisa kuterera studio seven, bbc, cnn neAljazira Makatidzisa kutenga maphilibao nemawiztec tione S.A.B.C Makatidzidzisa kurasa ma aerial ekuonesa Z.tv Mukatidzidzisa kuridza tsamwa takaterera radio zimbabwe Zvinoda kutendwa Makatiratidza kuti makundikana Makatiratidza kuti murimbavha Makatiratidza kuti hamuna hanya nevanhu Makatiratidza kuti murimhondi Makatiratidza kuti mauraya nyika Makatiratidza kutapererwa Makatiratidza kuti zanu ndeyeropa Izvi zvinoda kutenda chokwadi Makatidzidzisa kupanduka zvamuchose Makatidzidzisa kuisa bhora musango Makatidzidzisa kuponjesa bhora Mukatidzidzidzisa kuchinja maitiro Makatidzidzisa kuti kunaMorgan Mukatidzisa kuvhotera M.D.C Izvi zvinoda kutendwa. Fambai zvakanaka Gushungo neTeam yenyu
Posted on: Wed, 31 Jul 2013 21:48:57 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015