ZVIMWE ZVINODA KUTENDWA Kusatenda huroyi chokwadi Toda - TopicsExpress



          

ZVIMWE ZVINODA KUTENDWA Kusatenda huroyi chokwadi Toda kukutendai Imi vaMugabe nevamwe venyu Nekutidzidzisa zvatanga tisingafi takaziva Zvimwe zvinoda kutendwa Makatidzidzisa kubira nzizi dzinemakarwe tichitswaga kurarama Makatidzidzisa kuti maboarder anojambwa sei Makatidzidzisa Kufamba mitunhu mirefu refu kwazvo Makatidzidzisa Kubata maelectric fence Mukatidzidzisazve masurviving tactics Aiwa zvimwe zvinoda kutendwa Makatidzidzisa kugara nevatorwa Makatidzidzisa kugara nevavengi Makatidzidzisa kutaura chizulu, xhoza, venda,africaans,chiraparapa, chimosken,chiputukezi nendimi kuti tiwane kugara kunedzimwe nyika Makatidzidzisa kukwana kwana Makatiratidza nzira dzejoni, botswana, moza, zambia, namibia, uk, tahiti nekumwedzi Makatiratidza U.S dollar, Rand,.kwacha, pula, metkazh, yen Nhasi takuziva pasi rese Zvinoda kutendwa Makatidzidzisa stress management Makatidzidzisa kuti unogona kuenderera neupenyu sei mushure mekuwana mukadzi atorwa uchibva kunze kwenyika. Makatidzidzisa kuti unogona kurarama sei wapunzirwa imba yako Makatidzidzisa kuti unogona kurarama sei uchinge watizwa nemukadzi nekuti hausi kuwana basa Makatidzidzisa kuti unokwanisa kurarama sei wafirwa nemwana mumaoko nekorera Makatidzidzisa kuswerera mvura seradiator Zvimwe zvinoda kutendwa Makatiratidza kuti its posible kuti munhu anedegree atengese airtym nenzungu mustreet Makatiratidza kuti its possible kuti munhu aite 1week asina kudya Makatiratidza kuti its possible kuti munhu asina kana grade seven anowana top post mugvt Makatiratidza kuti its possible kuti varume vakuru vabvise bhutsu vachiombera vachibvuma kuti diesel rinogona kubuda padombo Makatiratidza kuti its possible kuti kuti munhu wese ave vendor munyika Mukatiratidza kuti its possible kuti munhu anosvika 90years asina muzukuru Aiwa zvinoda kutendwa Ndiyani aiziva kuti kuchinja mari kunoraramisa? Ndiyani aiziva kuti mari inobhenewa? Vaombererei maoko#maborderjumper
Posted on: Wed, 31 Jul 2013 06:07:40 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015