Kuna Sekuru Tati zvimwe mungangorivara, hapachisina nguva - TopicsExpress



          

Kuna Sekuru Tati zvimwe mungangorivara, hapachisina nguva yakawanda zuva reKirisimasi risati rasvika.Sezvamunozivawo kuti rinofadza tichipemberera pamwechete takawanda. Tati tikupei taimu yekupiripeya sezvo tiri kuuya kumba kwenyu. Tichati kurumidzei kusvika hedu musiwa 1 Zvita kuitira kufamba zvisina kusaidziranasezvo takati wandei, inika nevana vangu 4,nevazukuru vangu vaviri. Vatete mai Chariti nevazukuru vavo vaviri, babamudiki Jairosi nemudzimai wavo ane mimba uye vanavavoka matwins aye vakura muchavaziva here vaakufamba manje. Mainini mai Ropa pavanzwa hurongwa vabva vati havangasare nekuti mungagumbuke, saka vanouya nevana vavo vakomana vatatu vati vakasara zvingaite chimiro chisina kunaka.Chichakufadzai zvakanyanya ndimbuya mai Zvipeneti vabva vati vanofanotungamira 25 Mbudzi uno vachingopedza kudyara mbeu asi maiguru mai Komboni vati vanouya zvikoro zvavharwa nezvizukuru zvavo. Tichafanouya nembwa yavo nekuti yakurirwa manje inosununguka chero nguva. Ndinovimba maheater enyu achiri kushanda uye magumbeze inika zvechando handidi uye ndisati ndakanganwa chiremba akati ndidye mafurutu mashanu emhando dzakasiyana pazuva. Chokwadi nhasi hamurare nekufara toonana tasvika. Aizve ndotokoshiwa musanotsvaga mbudzi yekuuraya paKirisimasi. Ndapedza hangu Esinati -Hanzvadzi yaTapiwa.
Posted on: Wed, 20 Nov 2013 07:38:49 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015