Mharidzo: Title: kwaSimon…(part 1) Scripture Reading: Acts - TopicsExpress



          

Mharidzo: Title: kwaSimon…(part 1) Scripture Reading: Acts 8:9-13 Acts 8:9 Zvino kwechinguva mumwe murume ainzi Simoni akanga aita un’anga muguta uye akashamisa vanhu vose veSamaria. Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru. Pane murume anonzi Simon akanyorwa nezvake from Acts 8:9-13. Simon yainge iri n’anga but vanhu vemuSamaria vaifunga kuti anoshandisa simba raMwari,. In actual fact verse 10 says vanhu vaiti “Munhu uyu ndiye simba Guru raMwari.” (This man is the great power of God). Simon ainge abva paLevel yekunzi ane simba raMwari but ainge avakutonzi ndiye simba raMwari. He was no longer considered to have power of GOD but he was now considered to be the power of GOD, but chokwadi ndechekuti Simon aishandisa simba rasatan. it’s possible kuti munhu anogona kushandisa simba rasatan & vanhu vagobatwa kumeso vachifunga kuti isimba raMwari. unogona kutosimuka pamba wakananga kwaSimon uchitoti ndirikuenda kunobatsirwa nesimba raMwari, but usingazive kuti urikuenda kunobatsirwa nesimba rasatan. zvekuti ukanzwa vanhu vachikuudza kuti Simon haazi munhu waMwari but iNanga unotsamwa, potse potse kutoQouter maVerse uchiti touch not my annointed. mupfungwa dzako you are fully convinced kuti Simon anoshandisa simba raMwari, so you try by all means kumuDefender nekuti you believe kuti He is genuine but usingazive kuti munyengeri. Simon akashamisa vanhu zvikuru, ndaverenga maDifferent versions eBible ndichiedza kuda kunyatsoziva kuti chii chaicho chaiitwa naSimon, imwe version yati he astounded the Samaritan people, imwe yati he bewitched the people of Samaria, another said amazed the people of Samaria, imwe yati amazing the people of Samaria, pashandiswa different words but one thing is certain, Simon aibata mabasa makuru, maMiracles ake ainge asiri emhanga emhanga. They all paid attention to him, from the least of them to the greatest, ainyengedza type dzese dzevanhu, whether hauna kubvira waenda kuCreche, or uri proffessor vekuUniversity, from the least to the greatest, whether unofamba netsoka hautorina kana mari yekutenga hwashu or unofamba nengoro dzemabhiza, from the least to the greatest. kwaSimon kwaiwanikwa type dzese. ndizvo zvinoita satan, haanei kuti wakafunda kusvika paLevel ipi, unogona kungonyengedzwa nekudzidza or kusadzidza kwako, you can be deceived whether unofamba neCombi or neBenz. on your own your are not safe, zvinotoda Jesu kuti urege kubatwa kumeso. Bible rataura kuti vanhu vose (all the people) vemuSamaria vaimuteerera vachiti, from the least to the great, vese vaimuterera. Kureva iko kuti Simon ainge aine following hombe kwazvo. kwaSimon kwaitozara chaizvo. ipapo chibva waziva kuti kuita following hombe hazvireve kuti munhu ndewaMwari, kwete, munhu anogona kuita vazhinji vanomutevera but achishandiswa nasatan kubata vanhu kumeso. Rega kuJudger nemaNumbers kuti waona kwaSimon kune vanhu hobho and you think kuti uyu munhu waMwari, aiwa, Matthew 7: 13 inototi suwo rakafara nenzira yakapamhamha zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro, highway to destruction ndiyo yakawanda vanhu. Bible rinoti Simon Aizvirumbidza achiti iye akanga ari munhu mukuru, he claimed to be someone great…ndiyo pride iyi, that’s one sign yekuti munhu uyu aishandiswa nasatan, nekuti satan ndiye akatanga nenyaya yekuzvikudza yazoita kuti adzingwe kudenga (Isaiah 14:12-14),God resists the proud and gives grace to the humble,James 4:6 but manje kwaSatan kwakanyaya nyaya yekuzvikudza. by their fruits you shall know them, Jesu akataura wani. vanhu vemuSamaria ndizvo zvimwe zvinhu zvavaifanira kuChecker izvozvo. panyaya yePride satan ndipo paunowanzomubatira nekuti if you consider vanhu vakashandiswa naMwari muBible they were humble, Peter naJohn pane pavakaporesa chirema pana Acts 3, vanhu vagotanga kumhanya vachiuya kwavari but iye Peter akati i aona izvi, akati kwavari, “Imi vaIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu? (Acts 3:12), vanhu vainge vakuda kupa mbiri kuna iye Peter but haana kuzvikudza, he re-directed people kuna Mwari muridzi wemunana,. manje Simon haana iyoyo, anoda kuzvikudza kuti ndiye anogona. A false miracle worker usually ane kakuzvikudza maari. Pana Acts 14:8-15 Paul naBarnabas vakashandiswa naMwari kuita miracle chirema chakatanga kufamba and vanhu vagotanga kuti “Vamwari vaburuka kwatiri muchimiro chavanhu!” reffering to Paul and Barnabas,. but varume ava havana kuzvitsagira mbiri, vakabvarura nguo dzavo vakamhanyira mukati moruzhinji, vakadanidzira vachiti, “Varume, munoitireiko izvi? Isuwo tiri vanhu semi,vanhuwo zvavo semi. they did not take credit for the miracle, but re-directed people to GOD. but Simon haana iyoo, aripo pakuzvitsvagira mbiri. Acts 20:30 yoti Kunyange pakati penyu iyemi vanhu vachamuka vachiminamisa chokwadi vachiitira kuti vatape vadzidzi kuti vavatevere (false ministers having an aim of drawing people toward themselves). A false preacher haadi kuti uende kunaJesu anotoda kudhonza vanhu kwaari.
Posted on: Fri, 05 Sep 2014 05:53:46 +0000

Trending Topics



:30px;">
Your Love Blesses the World ~You Are a Miracle Love Blessings from
Your life has unlimited possibilities.” Positive change will
If you had to leave your home and flee to safety, what would you
Why God said REMEMBER (Part III): Christ clearly taught that
I am responsible for myself, my recovery, my well-being, my
Stephen William Hawking CH CBE FRS FRSA; born 8 January 1942) is
ORION TECHNOLOGY : -) thanks to my father nicanor octavo publico

Recently Viewed Topics




© 2015