Vhiki ino ndeyokukunda. Neniwo ndoda kumbotanga kuporofita upenyu - TopicsExpress



          

Vhiki ino ndeyokukunda. Neniwo ndoda kumbotanga kuporofita upenyu hwako nhasi. Pane mukova wange wakavharika wavakuzovhurika iyo vhiki ino. Pane big deal rawavakubata vhiki ino. Waiva nemari yako achinetsa kubhadhara vhiki ino anokupa mari yako. Aiva asingatauri newe ava kuzotaura newe vhiki ino. Ehe makarambana hazvina basa asi anofanira kukufonera vhiki kuti achengete vana vake. Basa rakapera ndizvo zvazvinongoita, wapinda basa chasara kubuda, asi vhiki ino pane rimwe riri nani rawava kuzowana kwete kare kare asi ndiri kutaura vhiki ino. Ndinotenda kuti kana Mwari vataura vanenge vatotaura iwe chako tenda chete. Kune vanhu vari kuitirwa minana naMwari zvichiburikidza nekutenda chete kushoko raMwari. Munamato wako wevhiki ino ngauve wekutenda kuminana yavari kuzokuitira.
Posted on: Mon, 23 Sep 2013 05:27:51 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015