¿AMWE BABA vakakura zvakanaka naka zvikuru asi asvika 77 years - TopicsExpress



          

¿AMWE BABA vakakura zvakanaka naka zvikuru asi asvika 77 years aka batwa nechimwewo chirwere. Chirwere ichi chaimutadzisa kubuditsa mvura mumuviri (kuita weti). Saka nekudaro akaenda kuchipatara ndokubva anzi anotofanirwa kuitwa operation. Akaitwa operation iya ndokubva yafamba zvakanaka. Achingopedza kudaro nurse akabva auya neBill rairatidza mari yakange yakawanda zvikuru yaaifanira kuzobhadhara. Murume uya akabata Bill riya ndokutanga kuchema chinyararire misodzi ichiyerera akagara pamubhedha. Airatidza kushushikana kwazvo. Doctor achiona murume mukuru kuchema akanzwa tsitsi ndokutikana mari yakawandisa we can make some arrangement kuti mubhadhare mbichana mbichanamurume uya ndokupindura achitikwete mwanangu handisi kuchema kuti mari yakawanda asi ndiri kuchema kuti chokwadi here Mwari akandichengeta mahara kwemakore 77 apfuura aya ndichiita weti zvakanaka asi haana kumbobvira anditumira bill rekuti ndine chikwereti sezvamaita izvi. Wakambonyatsa kuzvifunga here kuti kurarama inyasha. Wakamboona here kuti munhu akapihwa chinhu mahara chinhu ichocho haachikoshese. Vazhinji tinotadza kuona hukuru hwaMwari nezvaanotipa mukurarama nekuti anotipa hupenyu mahara. Wakamboona here kuti vanhu vazhinji kwazvo vano zoona kubata kwaMwari kana wava mudambudziko. Nhasi handidi kuti uve uri pakati pevanhu vakadaro vanoda kuti Mwari atange avapinza mutsaona kana muurwere kuti vaone kubata kwake. Tenda Mwari nekukuchengeta mhani iwe. Vazhinji vedu tinofamba nedzimota tichiienda nekudzoka asi vamwe vakatadza kusvika kwavaienda vakafira mumatsona asi iwewe unokwidza nekudzika mazuva ose wotadza kuona kubata kwaMwari. Kangani kawaiona vanhu vachifira mumigwagwa umo saka unofunga kuti kwako kungwara here kunge usiripo pavanhu ivavo. Kangani kawaishanyira vanorwara muzvipatara umo iwe unoti kungwara kwako here kunge usiri iwewe uri kurwara. Hama yangu hakusi kugona kwako kana kungwara asi ndiye Mwari. Tenda Mwari nguva dzose. Paunorara chimboisawo munamato wekuti Mwari maita zvenyu nekukuchengeta kwawaswera. Paunomuka muudze kunaka kwake nekukumutsa vamwe vakafira muhope idzodzo.
Posted on: Mon, 29 Sep 2014 16:10:45 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015