Hanzi Andy Brown asvika zvakanaka, uyezve asangana naIgwe Tongai - TopicsExpress



          

Hanzi Andy Brown asvika zvakanaka, uyezve asangana naIgwe Tongai Moyo Dhewa! Asi dhewa vakatyamara chaizvo ndokuti ko iwe Andy wauya nguvai? Andy abva angoti Ahaaaaa shamwari zvakangooma apedza abva abvunza kuti ko Mashakada arikupi? Zvikanzi naDhehwa enda paconer apo uchamuona aripo, panana John Banda, Mukadota, Mutirowafanza ,Jari na Parrafin varikuactor madrama! Andy asvikapo abva awona Mashakada atova negumbo rechokwadi vaMashakada ndokuti ahhh wateverawo? Ndanga nditori naMarko Sibanda na Paul Matavire Doctor Love, asi vazotevera Biater Mangetha na Jek Madondo vapfura izvezvi, bt kana uchida kuona leonard Dembo, Simon Chimbetu? Solomon Schuza, na James Chimombe enda apo parikutambwa nhabvu nana Leny Gwata, Francis Shonhai nana Blessing Makunike, saka nguva dzasvika Andy Brown panhandare paya aona chikwata chiri tii! Zvikanzi na Chimbetu, ko vaMutukudzi zvavaingokosora pamaCaset avo havasati vauyawo here, nekuti takangoona mwana wacho Sam Mtukudzi anoswera aina Mbuya Mlambo achiitirwa ngano? zvikanzi naAndy Brown Aiwa tava siya variko uyezve vakatoimba nemwana wako Suluman Chimbetu song inonzi Kata kata zvikanzi na Dembo kovangu variko here? Zvikanzi hongu varikuzama zama vamaCheso ndovarikumubatsira, uye newa Peter Moyo Dhehwa arikushingairwo nawo magatare asi anondishamisa mwana wavaManyeruke, vaya vokuimba dzechitendero, mwana wavo mukomana avakuimba zvembanje uyezve avakuzviti Guspy Worrior ,ivo vaMechanic Manyeruke ndakavasiya vasingachaimbi vachinyunyuta kuti Baba Charamba vakapedza bhaibheri rese? Zvikanziwo naJames Chimombe dai wanga watikasikei ungadai waona John Chibadura na System Tazvida mazuva ano varikuda zvenhetembo ukanovatarisa pamberi apo unovaona vaina ,Mbuya neHanda, naSekuru kaGuvi navaSolomon Mutsvairo vaye vekunyora National Anthem yepasi Kuzimbabwe! achangoti fambei Andy BROWN abva avaona System Tazvida abva aseka ndokuti kufa hakuna memba shuwa, zvino zvawasiya vana 10 maONE(1) avo wabva wandifungisa, song yangu yekuti PFUMA YABABA NDO YOTORWIRA TOSE Andy ango seka akabva ati ko uko kuneyi kunemoto uko zvikanzi na Chibadura iwe ndokunana Michel Jackson na2 Pac asi kana uchida kunozvionera enda unomira padombo iro rinoputwa mbanje nanaBob Marley nana Garnet Silk! Tichazokuzivisai zvinenge zvazoitika kana mumwe wevaimbi afawo...
Posted on: Sun, 01 Dec 2013 21:17:42 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015