MATAMBUDZIKO ACHAPERA NDICHAFARA Mumwe mwana aiva grade - TopicsExpress



          

MATAMBUDZIKO ACHAPERA NDICHAFARA Mumwe mwana aiva grade 1 akateverera baba vake vasingamuoni kusvika vasvika mundege mavaive Pilot. Akapinda mundege akavanda pasi pema seats akamirira kuti ndege isimuke aendewo kwaienda baba vake. Ndege yakasimuka kamwana kachingokwenya mhino nekasiyanwa kuti zvangu zvaita. Ko tazivei, ndege yakasangana ne Cyclone, mazimhepo emhando and vaive varasana ne control ndege isisaonekwi nevaive pasi, Pilot anga asisaoni kwaari kuenda zvekuti aingogona kudhumira pa Mount Kilimanjaro. Mwana akachema, akatanga kubvunda achibva arova speed akananga ku Cockpit, akabva avhura akadongorera paive nema Pilots ndokuona baba vake varivo vari panyanga, vachirwisana neku controller ndege achibva asekerera ndokudzokera kune vamwe akasvika achiridza muridzo achibva arara akabhara 4 zvake. Vanhu vakamubvunza kuti sei asisarohwe nehana akati,Pandanga ndichimbochema nekutambudzika ndanga ndichiti pamwe ma Pilots azochinja pandavanda muno mudhara wangu akasara, zvino pandadongorera ndaona vari Baba vangu vari in control saka ndinovaziva kuti havakundikani, thats why ndisisatyi.akadaro achitokanda ma Potato Chips mumuromo. Zvino isu takaita mhanza kuti baba vedu vanonzi Jehovha, ivava havakundikani and hativatyire. Taita ma Kristu anozhamba nevamwe vanoshaya tariro muupenyu nekuda kwe mhepo dzeupenyu nematambudziko asi rega ndikuudze mwana wababa, Our God is in Control. Bvunza vadzidzi vanokuudza kuti tina Jesu anonyaradza mhepo. Mhepo dzanga dzakakusimukira muupenyu hwako ngadzipere izvezvi nezita ra Jesu.! Halleluah vanotenda...
Posted on: Sat, 16 Aug 2014 06:03:42 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015