NYATSOTORA NGUVA YAKO USAMHANYE UNZWISISE NYAYA IRI - TopicsExpress



          

NYATSOTORA NGUVA YAKO USAMHANYE UNZWISISE NYAYA IRI PANO!!! Umwe murume ainge achembera asi chainetsa vanhu ndechekuti murume uyu akange akadzidza zvikuru asi muhupenyu hwake akanga asina kana chinhu chaive nacho muhupenyu yaingova nhamo yega yega. saka umwe mukomana akaita chivindi chekuda kuziva kuti chii chakamboitika pamurume uyu, aska akaenda kunobvunza what was your aim sekuru kubva muchiri mudiki kusvika pamuri nhasi.Sekuru vakapindura ndokuti chinangwa changu was to change the world asi ndakazoona zvakandiomera then i decided to change my nation asi ndakatanda izvozvo i then decided to change my city asi nekuda kwekukura ndatoona kuti ndinga chembera ndisina chendaita i then decided to change my family but it was too late saka i then decided to change my life asi nekuchembera uku zvakundinetsa. Asi chandakazoona ndechekuti dai ndakaziva ndakatanga nekuchinja hupenyu hwangu then i could have changed mhuri yangu then mhuri was going to change the city and the city was going to change the country and the country was then going to change the whole word. Ndakambotaura ini pano ndikati chinotangira mudenga chichidzika pasi iguva kwete hupenyu hwako. muhupenyu mudikani dzidza kutangira pasi uchisimuka. Tanga nekadiki diki ikako kanoshoreka uchikwira zvishoma nezvishoma. Ndinoziva nhamo yako yauinayo hauide and kuchiva vane mari dzavo hakupedze nhamo yako asi kunotokupa stress. Nhasi ndoda kuti ushandure hope dzaunorota, Rega kurota uine mari yakawanda asi rota nzira dzekuita mari nadzo. Umwe unoti wakagara kana kurara unozviona uine mari yakawanda wakapfuma asi nhasi Ndoda kuti ufunga nekurota nzira dzekupfuma nadzo. Tangira pane chidiki uchisimuka. Vazhinji vedu varipanguva yakaoma pamusana pekuda kumhanyira zve pamusoro iwe uchiri pasi. Kana vari vasikana vakomana vane mota ndivo waunoti ndivo class yako. Izvozvo zvekuda zve pamusoro ndizvo zvaita kuta vakomana vatutane nazvo zvirwere kuma sugar mama uko. Uri murombo nhasi asi life yako hairambi yakadaro nekuti pakakwira nevamwe kuti vaende pamusoro nehupenyu uchapawanawo chete nezita raJesu. Usarwadzirwe nehama kana shamwari dzako dziri kufamba nemota nekuti iwewe Unawo mukana wekuzvisimudza . Usati wamhanya ku mota kana kumuchato zvigadzirisewo iwewe , tarisawo hukama hwako naMwari. Famba zvakarurama pamberi paMwari. Mwari anorega kukupa murume nekuti anotya kuti angazopa munhu dambudziko pamusana pehunhu hwako uhwo. Mwari anotya kutokupa mota nekuti anoziva kuti mukadzi anganzwa nekutizwa kumba uko. Muhupenyu bata mashoko aya. Usati wanamatira mukadzi kana murume, kana mari chaiyo, zvitarisewo iwewe kuti waka mira sei. Wakakodzera here pane zvaurikuda. Kwete kungomhanyira zviri kumusoro chete.
Posted on: Tue, 11 Nov 2014 12:00:39 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015