Reverse Exodus-----Scripture reading Numbers 14:1-4 Exodus - TopicsExpress



          

Reverse Exodus-----Scripture reading Numbers 14:1-4 Exodus zvinoreva kubuda. Vana veIsrael vakaita Exodus yavo vachibuda kubva muEgypt vakananga kuPromised Land kuCanaan. Isusu maChristu anhasi tine exodus yedu yekubuda mune zvakaipa muzvivi tichienda mukururama muhutsvene. But imo muProcess yekubuda iyoyo kubva muEgypt makananga kuPromised land, vana veIsrael vakasvika time yekuti vakaDecider kudzokera kuEgypt, vakafunga kudzokera kuhuranda kwaPharaoh, ndiyo yatiri kuti REVERSE EXODUS. muzuva ranhasi muChristu anogona kusvika paPoint yekufunga kudzokera hake kuNyika, kuramba zvekunamata nekuti pane zvanetsa muJourney yake semutendi. Mwari akapa instruction kuna Moses kuti sarudza maRepresentatives 12 vanoenda muCanaan, the promised land kunoita maSpy vachiona kuti yakamira sei nzvimbo iyi yavanoda kupihwa naMwari. Pavanhu 12 vakatumwa, 10 vakadzoka vachiti promised land ine huchi nemukaka zvayo but mune vana vaAnak nevanhu vakasimba tinorohwa munyika umu, but only 2 people (Caleb naJoshua) ndivo vakati aiwa lets go forward tinokunda, we can take over Canaan iyoyo. Vana veIsrael havana kuterera message yakadzoka naCaleb naJoshua iri positive but vakaterera negative information yakadzoka nevamwe varume 10. ndiyo problem yevamwe vatendi, vanoda kutenda information iri negative more than information iri positive. muChristu hake but anotenda nhamo kupfura rugare, anotenda kuti varoyi vane simba kupfura maChristu, anotenda kuti masatanists ane simba kupfura maPastor. Zviri negative zvega zvega, ndizvo zvaanogona kugamuchira more than zviri positive. But once watora attitude yakadai, chenjera kuBackslider, chenjera kurova reverse exodus uchiramba kunamata nekuti you no longer believe in anything good. maSpy 10, vakataura a negative report, hazviite tinorohwa kwatinoda kuenda uku but only 2 spies vakataura a positive report, handei tinokunda. 10 versus 2. Sometimes Information iri wrong inogona kuwanda kupfura iri correct, vaparidzi venhema vanogona kuwanda kupfura vechokwadi, maProblems anogona kuwanda kupfura maSolutions but izvozvo ngazvisakutadzise to move forward in your journey as a Christian, izvozvo ngazvisakutadzise kuramba uchinamata. No matter zvinhu zvaipa sei muNyika, rega kufunga kuQuiter kunamata, keep on marching forward, ramba uchienda mberi nekunamata. Vana veIsrael vakatenda muInformation iri negative kupfura information iri positive and vakatanga kuchema. Chimwe chiri kuchemedza vanhu inyaya yekuti they believe zvinhu zvakaipa kupfura zvakanaka zvaMwari. Munhu anonyanyo gamuchira nhamo yake kupfura kugamuchira simba raMwari, no wonder why achigara achichema, hanzi zvinhu zvandiremera. Iye Jesu anoti huyai kuno makaneta makaremerwa ndichakupai zororo, but vamwe vanhu havadi, anoda kutakura mutoro wake ega, but iye Jesu achiti hunza ndikutakurire. Instead yekuti utore joko raJesu rakareruka, Iye achitorawo joko rako rinorema. Munhu haadi, anoda kutakura zvinorema ega. Instead yekuti vana veIsrael vatore report yakanaka yakabva kunaCaleb naJoshua, they chose kutora report yakaipa yabva kune vamwe 10 and izvozvo zvakaita kuti vacheme. rega kuchema nekuda kwemaProblems nekuda kwenhamo, nekuda kwezvakaipa, tenda zvakanaka zviri muShoko raMwari uwane mufaro. Vana veIsrael vakatanga kuComplainer against Moses naAaron hanzi dai makatisiya hedu takafira kuEgypt kana murenje. They complained against Moses naAaron yet ivo vanhuwo zvavo semi. There are times dzekuti mutendi anogona kuComplainer against leadership yeChurch kana Pastor wake but uchikanganwa kuti munhu wauri kuBlamer is also a person like you. Moses and Aaron haizi programme yavo iyi but iProgramme yaMwari yekuti vanhu vabude kubva Egypt vachienda kuCanaan. Unogona kuComplainer against something uchifunga kuti iProgramme yevafundisi, yet iProgramme yaMwari. Hee havadi kuti tipfeke hembe dzinofura mhepo but kuchipisa kudai, hee vanongoda kuti tibvise tithe izvo zvinhu zvakaoma kudai, hee every week vanongodeidzira all night prayer. Chenjera kuComplainer against dzimwe programme uchifunga kuti dzarongwa nevanhu izvo nyamba zvarongwa naMwari. Its GOD who planned journey yekubuda Egypt makananga Canaan, kwete Moses naAaron vamuri kupopotera ava. kuComplainer against Mwari kuri very dangerous because unenge uchizviita munhu anoziva kupfura Mwari wacho. Rangarira kuti Mwari vanoziva zvakakunakira more than zvaunga funge iwewe and ukaona vachikupa something and wotanga kuComplainer, its like urikushora Mwari kuti hapana zvamaita apa. Ivo Mwari vachitoti ndakuendesa vana vangu kuPromised land kune huchi nemukaka, imimi ndipo pamunochema kuti ah dai makatisiya hedu tichishandira Pharaoh. You are insulting GOD. Kunyangwe hupenyu huvave sei, don’t ever complain against GOD’s decision, maProblems awande sei regai kuda kuComplainer against Mwari. Handisi kuda kuenderera kumberi stereki neChapter iyi but ndinoda kugumira paVerse 4 vana veIsrael pavanoronga kuti ngatitsvagei leader anoti tungamira kudzokera Egypt. Vainge vafunga kupinda muReverse gear, vakananga kuEgypt. Rega kuva muChristu wekuti kana zvinhu zvasvika pakaoma, haunonoke kupinda muReverse gear, kutanga kufunga kuEgypt, kutanga kufunga kudzokera kubhawa, kudzokera kuSmall house, kudzokera kuN’anga, kudzokera kumadhiri, kudzokera kuZvinhu zvawakasiya kare uchiti zvakaipa. o.k. lets say mafunga kudzokera kuEgypt handiti, ko kana masvika paRed Sea muchaita sei? Are you forgetting kuti kuyambuka kwenyu red sea yaiva miracle yaMwari vakakonzera kuti tsvimbo yaMoses ipatsanure gungwa. Ko kana mukadzokera mega muchaCrosser sei paRed sea? Usati wafunga kuramba kunamata, usati wafunga kusiyana nazvo zvekuterera Mwari, think about maMiracles avakakuitira. Iko kufema kwauri kuita so, it’s a miracle, because once you stop breathing vanhu vanotanga kunamata kuti Mwari itai miracle munhu agone kufema uyu. so kana uchinge wafunga kusiya kunamata, ko pauchasvika paRed sea uchaCrosser sei, kana wasvika paProblem yakaita seRed sea uchakunda sei? Kana wasvika panoda miracle uchaita sei? Unokunda sei iwe usisina Mwari. Regai kuita pfungwa dzekudzokera kuEgypt, rega kuita pfungwa dzekuramwira Mwari. Vana veIsrael vaipihwa manna everyday, vaipihwa nyama everyday, mvura vachimwa yemudombo but they all forgot about that. Ko kana makudzokera kuEgypt mega musina Mwari, zvibvunzei kuti zvekudya muchapihwa nani? Remember you travelled in the wilderness, maifamba murenje and hamuna kana munda 1 wekuti mungabe zvokudya. Once musisina Mwari, there will be no more manna. Mudikani rega kusiya Mwari uyu, unofa neNzara, iyo cooking oil shoma yasara mumba iyoyo, ukangotanga kurarama zvisina Mwari mukati that will be the last cooking oil you will use. Ukaramba kunamata, hauna kuomesera Mwari but wazviomesera iwewe nekuti anofa neNzara ndiwe, Mwari havafe neNzara. Vana veIsrael vakakanganwa kuti pana Exodus 17 vaka Winner hondo against maAmalekites nekuda kwesimba raMwari. Zita rekuti Jehovah Nissi rakabva paHondo iyoyi iyi. Moses ari mugomo achisimudza maoko ake kunaMwari, Israel ichikunda hondo pasi apa. GOD gave them that victory. But once mafunga zvekudzokera kuEgypt ko mukasangana nemaAmalekites ndiani achikurwirai hondo yenyu. Who will give you victory? rega kufunga reverse exodus, rega kufunga kusiya kunamata because hondo dzese dzeMweya Mwari dzavakakurwira ndiyani achazokubatsira. Shuwa ukangorega kunamata, mweya yetsvina ichakuita party because hausisina protection inobva kunaMwari. Reverse Exodus, kudzokera Egypt, asi makanganwa nhamo yamaioneswa nemaEgyptians, zvidhinha muchikanya nemate, muchizvipisa nehuswa, ndiko kwamakuda here kudzokera here ikoko. Are you sure kuti ungade kusiya kunamata, ungade here kuoneswa nhamo yawaisi oneswa nasatan nemademon ake, are you prepared kutamba nhamo yakazoita kuti ufunge kunamata. Egypt haaiite varume, kudzokera kunyika hakuite, rega kuBackslider nekuti once wadzokera ikoko, maEgyptians will seek revenge, once wadzokera kunyika, mweya yetsvina inenge ichitoda revenge nekuti pawakatendeuka you offended the devil. ramba kudzokera Egypt. Iko kuzotsvaga Leader kani, hanzi tinoda mutungamiri anodzokera nesu kuEgypt, munotsvagirei Leader, road hamuyizive here, dzokerai mega, Leader ndewei. Kuenda kuCanaan maitungamirwa naMoses, iye zvino kudzokera Egypt mava kuda futi leader. Zvichireva izvo kuti kurasika kunotoda futi leader, tine vanhu who have become maLeaders pakuita zvakaipa, kana muchinge mafunga zvekudhakwa, munoenda kunomuona because ndiye anotenga hwahwa, kana mafunga zvekutsvaga zvikomba kana maSmall house, munoenda kunomuona because ndiye anokurongerai, kana mafunga kuba mari paCompany or humwe hutsotsi, munoenda kunomuona because anoziva maStrategy ese. Im not talking about vanhu vekunyika, but ndinotaura munhu wemuChurch chaiye, a leader anoda kudzosera vanhu kuEgypt. Don’t be such a person nekuti luke 17: 1-2 inoti “Zvinhu zvinoita kuti vanhu vatadze zvinototi zviuye, asi ane nhamo munhu uyo anouya nazvo. Zvaiva nani kwaari kuti guyo risungirirwe pamutsipa wake agokandwa mugungwa pano kuti atadzise mumwe wavaduku ava. Its far much better kuti Leader weReverse Exodus asungirirwe dombo muhuro akandwe mugungwa than kuda kurasisa vanhu. Dombo pahuro kuitira kuti atadze kubuda mumvura because the stone will be pulling him down. Vana veIsrael vainge vatori paBorder chaipo yekupinda muCanaan but vanosarudza kudzokera kuEgypt. So near yet so far. Tine vanhu vekuti they are at the door of their answers but anotofunga zvekusiya kunamata. Mava pedyo pedyo nekupinda muPromised land but makufunga kudzokera shure. Rega kufunga kuQuitter nekuti you never know, zvichida you are 1 day from your answer, you are 1 hour from your breakthrough, you are very close apa ndipo pamavakuda kuQuitter. The Biggest reason yakaita kuti vana veIsrael varambe kupinda muCanaan inyaya yekuti vaitya vana vaAnak vaiva muguta umu, nemamwe maMonya aiva imomo. vana veIsrael vakaConsider power ravo and they compared it nePower revana vaAnak, vachibva vaona kuti apa tinorohwa apa. Instead of them comparing simba revana vaAnak against simba raMwari. Regai kutarisa simba renyu but tarisai simba raJehovah. Mukasadaro shuwa you will consider kudzokera kuEgypt. Ukaita tsika yekuConsider simba rako, kugona kwako, or kungwara kwako against maProblems auri kuFacer, zviri nyore kuti ufunge kuQuitter because unonyatsoona kuti apa handina chance apa, I will loose. Don’t depend on your power but depend on GOD’s power. Inga wani Mwari akakurwirai hondo dzawakawanda along the way, chii chingavatadzise futi kukupai victory pavana vaAnaka. Pauro anonyora kuna Romans 8:32 kuti kana Mwari vakatipa Mwanakomana wavo Jesu, vangatadze here kutipa zvinhu zvese? of course tinokunda. Kana Mwari vakatipa hupenyu, shuwa vangatadze here kutipa zvinu zvatinoda. Rega kufunga kusiya kunamata, don’t give up, rega kufunga reverse exodus, ramba kudzokera shure.
Posted on: Wed, 02 Oct 2013 14:08:22 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015