Ini ndini mai vekunyora vachiti vari kwaMtare, vane 42yrs uye 19 - TopicsExpress



          

Ini ndini mai vekunyora vachiti vari kwaMtare, vane 42yrs uye 19 yrs vakaroorwa, asi mrg yakuputswa negirlfriend. Mufunge girlfriend iya yatumira msg ichikumbira ruregererwo, hanzi handichakurwadzisii futi. Ndopindura here kana kuti ndosiyana nazvo? Plus murume arikukumbira ruregerero, nhasi tatoenda kuchurch tese, bt ndoozvaanoita kana ndangovarairwa odzekerana futi negirlfriend iya. Ini ndafunga kuti ndinamatire kuti pfuma yese yatiinayo iparare zvayo nokuti ndiyo honzeri. Tine company maMtare, mota 6 nedzimba 5 zvese izvi takashandira pamwe. Anondiitira zvese, vanhu vanondiona havazivi nhamo yandiinayo nekuti ndofamba nemota dzakanaka. Nhamo irinani pane upfumi uchichemedzwa daily. Aaah ndanzwa ini.
Posted on: Mon, 15 Jul 2013 12:40:08 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015