KUTI UVE MUNHU PAVANHU IYI NDIYO RECIPE YAMABIKIGWE ANOITWA CAKE - TopicsExpress



          

KUTI UVE MUNHU PAVANHU IYI NDIYO RECIPE YAMABIKIGWE ANOITWA CAKE RINONZI MUNHU..... 1) Tora dhishi remoyo murefu.. 2) 5cups dzerudo.. 3) Zvipunu zvina zvekusataura-taura wopepeta makuhwa... 4) 5cups dzekuwadzana nevamwe.. 5) 5cups dzerufaro.. 6) 5cups dzekutendeka... Chikanya zvose pamwe chete, ukaona zvotutuma tora chipunu cherudo wobvisa furo rehasha! Zvinobva zvagadzikana kana zvagadzikana tora cup yetsitsi yodira ramba uchidira uchikurungawobva wadira 6cups dzekutendeka 10cups dzekupa kuti zvinake.. Chimwaya-mwaya kuzvibata kwakawanda kuti zvirege kukachidza. 3cups dzemunamato makuseni, masikati nemanheru kuti zvitsvukire,, Pedzisa ne 2cups dzekuzvininipisa wobva waisa muOven yeMOYO isingapisise zvakanyanya.. Uchimirira kuibva kweCAKE chipfugama unamate uchikoka JESO CHRISTO.....
Posted on: Mon, 15 Jul 2013 18:39:11 +0000

Trending Topics



Recently Viewed Topics




© 2015