Husband: Honie, ndatambira phone kubasa yabva kumusha, zvanzi - TopicsExpress



          

Husband: Honie, ndatambira phone kubasa yabva kumusha, zvanzi amai varwara. Ndanga ndati tiende tinovatora tivarapise. Wife: Watanga nyaya dzaamai vako vasingade kubva pano. Kuda kudya mari yemwana wavo. Totogara kunge tiri pabarika? Wakange wadii kuroora ivo usina kundipedzera nguva yangu? Vakangotsika pano netsoka yavo inemana ndirikusunga twangu ndopesanisa angu matako ndakananga kumusha kwangu. Husband: Im sorry babe I didnt mean to upset you. Wife: I mean every word. A week later husband came back from work looking sorrowful. Wife: What is it babe. You look miserable. Husband: I received some bad news kubva kumusha. Hanzi amai vakashaya nezuro manheru saka takatomirirwa kuti tiende nebhokisi nechikafu chevanhu vari pamariro. Wife: Sorry hako honie. May her soul rest in peace. Anyway, ivo vanhu vanobva vamhanyisa kuti kunodiwa food vanofunga kupi pamuchato here? Vanokanganwa kuti panhamo here? Totongopfuura nepaMbare tichitenga makabhichi. Zvebhokisi zvawataura iwe unonyatsoziva kuti tirikuvaka saka mari hapana. Ko kungovaviga vakaputirwa nebonde zvinei? Husband: Ah, iwe usaite mwoyo wakaipa kudai. Hazvina chimiro. Vanhu vanozoti chii? Wife: Ngavafambire chimwe chete semuroyi. They have to mind their own business. Hatidye kudzimba dzavo here isu? Husband akapererwa nemashoko. Akatakura mukadzi wake nemota ndokupfuura nekuMbare vachitenga twimakabheji twakasvava. Pedzezvo vakapinda munzira ndokurova mota vakananga paruzevha. Vasvika paJunction pekumusha kwemurume Husband yakapfuudza mota akananga kumusha kweWife yake. Wife: Excuse me babe, wapfuurira patanga tichifanira kutena. Are you getting lost? Husband: No honie, Im not lost. Tirikuenda kumusha kwako. Amai vako ndivo vanga vachirwara, ndivo vakashaya. Wife: (Screaming) You heartless idiot. Why didnt you tell me that it was my mum you were talking about. We could have taken her to the doctors to be treated. Turn the car around. We have to go and arrange with Doves to conduct the funeral. Topfuura nekwaOK tichitenga grocery revanhu varipaFuneral. Husband: Im sorry tatosvika pamba panhamo yaamai. Wife ndiye pasi dhii ndokubva afenda. Zvanakira tsoko kunyenga bveni, kana konyengwawo koti Yowe-e kwangu kudiki.
Posted on: Tue, 15 Oct 2013 09:36:44 +0000

Trending Topics



="min-height:30px;">
Action Item #2: Implement all you learned and practiced during the
Ok...just an observation. Thats all. How come when we post
Wanna kill yourself? Imagine this, you come home from school one
hay ladies how wonderful it is to be under the leadership of a
WB NEWS: TOYS for TOTS PROMOTES GIVING SPIRIT for 5th
Read: Isaiah 1:10-17; Matt 10:34-11:1 Our natural instinct is
Friends, Bridgett Frost is an acquaintance of mine through my
Pennsylvania is the latest Republican state to expand Medicaid.
Marijne just brought the body count to 869,305 by icing ||[↯]||

Recently Viewed Topics




© 2015